MuGlobe and Phoenix voitira tsvina munhandare yebhora nekushaya mvura


08 Feb 24

Click here to watch video

Vagari vemu Globe and Phoenix muKwekwe vave nemwedzi inodarika mitanhatu vasina mvura ,izvo zvoomera vazhinji avo votyira chirwere che Cholera.

Vagari vemunzvimbo iyi vanoti mvura vakapedzisira kuiwana gore rapera muna Gunyana kusvika iye nhasi vari kutambuzika kuyiwana.

Vakanyanya kutarisana nedambudiko iri ndeavo vari kudzimba dzekuma Marriage Quotas idzo dzinosvika potse mazana maviri.

Vanhu vari munzvimbo iyi anofungidzirwa kuve chiuru nemazana mashanu.

Councillor venzvimbo iyi vaCourage Mugabe navo vakataridza kushushikana vakati ivo nyaya yavo vakaisvitsa ku kanzuru asi mvura hayisati yosvika panzvimbo inogara vanhu ava.

Mapipe emvura ari kufungidzirwa kuti dzimwe nguva ndiwo asakara zvokonzera kuti mvura isazvike kuvagari

ndichaenda mberi nenyaya iyi kuti dambudziko rigadziriswe akadaro Mugabe

Nekuda kwekushaikwa kwemvura vazhinji vave kuzvibatsira munhandare yebhora nemasango akakomberedza

zvimbuzi zvedu zvakazara kuti tiii ,hamuchapindike nokudaro vanhu vavekuitira tsvina munhandare yechikoro iyo ,uye musango riri pedyo akadaro umwe mugari wemunzvimbo iyi asina kuda kuzivikanwa zita.

Nekupararira kwechirwere che Cholera munyika vagari ava votyira kuti dzimwe nguva mvura ikaramba ichishaikwavanogona kuwirwa nechirwere

Kanzuru yeKwekwe yokurudzirwa kuti inyatso kutarisisa dambudziko iri kuitira pachengetedzwe utano hweveruzhinji

.